Joshua 15

Mugove waJudha

1Nzvimbo yakapiwa rudzi rwaJudha, mhuri nemhuri, yaisvika kunyika yeEdhomu kuGwenga reZini zasi kumagumo chaiko.

2Muganhu wavo wezasi waitangira pamuganhu weGungwa roMunyu, 3uchiyambukira zasi kwoMupata weChinyavada uchipfuurira kuenda kuZini uchizopfuurira kuenda nechezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo waienda uchipfuura nepaHezironi kusvika kuAdhari uchikombamira kuKarika. 4Ipapo waipfuurira kuAzimoni uchindobatana neRwizi rweIjipiti wogumira kugungwa. Uyu ndiwo muganhu wavo wezasi.
5Muganhu wokumabvazuva ndiwo Gungwa roMunyu kusvikira kumuromo werwizi rweJorodhani.
Muganhu wokumusoro waitangira kugungwa pamuromo weJorodhani,
6uchienda kuBheti Hogira, ndokupfuurira nokumusoro kweBheti Arabha kusvika kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni. 7Ipapo muganhu waizokwira kuDhebhiri uchibva paMupata weAkori uye uchidzokera nechokumusoro wakananga kuGirigari, pakatarisana noMupata weAdhumimi nechezasi kwomupata. Waipfuurira napamvura yeEni Shemeshi ndokuzobudira kuEri Rogeri. 8Ipapo waikwira napamupata waBheni waHinomi wakanga uri zasi kwamateru eguta ravaJebhusi (rinova Jerusarema). Kubva ipapo waikwira kumusoro kwechikomo kumavirira kwomupata waHinomi nechokumusoro kwamagumo oMupata weRefaimi. 9Kubva pamusoro pechikomo, muganhu wainanga kuchitubu chemvura zhinji yeNefutoa, uchibudira kumaguta eGomo reEfuroni ndokuzoburuka wakananga Bhaara iro Kiriati. 10Ipapo waikombamira kumavirira uchibva paBhaara kusvika paGomo reSeiri uchienda nokumawere eGomo reJearimi (iro Kesaroni), ndokupfuurira pasi kuBheti Shemeshi uchizoyambukira kuTimina. 11Waiendawo nokumawere echokumusoro kweEkironi, uchidzoka wakananga kuShikeroni, uchipfuura nokuGomo reBhaara uchisvika kuJabhuneeri. Muganhu waindogumira kugungwa.
12Muganhu wokumavirira ndiwo mahombekombe eGungwa Guru.

Iyi ndiyo miganhu yakapoteredza Judha zvichienderana nedzimba dzavo.

13Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.) 14Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni. 15Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi). 16Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.” 17Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake.

18Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?”

19Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.

20Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, mhuri nemhuri:

21Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu aiva:
Kabhizeeri, Edheri, Jaguri,
22Kina, Dhimona, Adhadha, 23Kedheshi, Hazori, Itinani, 24Zifi, Teremi, Bhearoti, 25Hazori Hadhata, Kerioti Hezironi (iro Hazori), 26Amami, Shema, Moradha, 27Hazari Gadha, Heshimoni, Bheti Pereti, 28Hazari Shuari, Bheerishebha, Bhiziotia, 29Bhaara, Riyimi, Ezemi, 30Eritoradhi, Kesiri, Hurima, 31Zikiragi, Madhimana, Sanisana, 32Rebhaoti, Shirimi, Aini, Rimoni, maguta anokwana makumi maviri namapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.
33Mujinga mamakomo okumavirira maiva ne:
Eshitaori, Zora neAshina,
34Zanoa, Eni Ganimi, Tapuwa, Enami, 35Jarimuti, Adhuramu, Soko, Azeka, 36Shaaraimi, Adhitaimi, neGedhera (kana kuti Gedherotaimi) anova maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo.
37Zenani, Hadhasha, Migidhari Gadhi, 38Dhireani, Mizipa, Jokiteeri, 39Rakishi, Bhozikati, Egironi, 40Kabhoni, Ramasi, Kitireishi, 41Gedheroti, Bheti Dhagoni, Naama, neMakedha anova maguta gumi namatanhatu pamwe chete nemisha yawo.
42Ribhina, Eteri, Ashani, 43Ifita, Ashina, Nezibhi, 44Keira, Akizibhi, Maresha anova maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.
45Ekironi, nenzvimbo dzakaripoteredza nemisha yaro; 46uye nokumavirira kweKironi namaguta ose akanga ari pedyo neAshidhodhi pamwe chete nemisha yawo; 47Ashidhodhi nemisha yaro yakaripoteredza neGaza nemisha yaro kusvikira kurukova rweIjipiti namahombekombe eGungwa Guru.
48Munyika yamakomo maiva ne:
Shamiri, Jatiri, Soko,
49Dhana, Kiriati Sana (iro Dhebhiri), 50Anabhi, Ashitemo, Animi, 51Gosheni, Horoni, neGiro anova maguta gumi nerimwe pamwe chete nemisha yawo.
52Arabha, Dhuma, Eshani, 53Janimi, Bheti Tapua, Afeka. 54Humuta, Kiriati Abha, (iro Hebhuroni) neZiori ndiwo maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.
55Maoni, Kameri, Zifi, Juta, 56Jezirieri, Jokidheami, Zanoa, 57Kaini, Gibhea, neTimuna, ndiwo maguta gumi nemisha yawo.
58Hariuri, Bheti Zuri, Gedhori, 59Maarati, Bheti Anoti, neEritekoni ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.
60Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo.
61Murenje maiva ne:
Bheti Arabha, Midhini, Sekaka,
62Nibhishani, Guta roMunyu, neEni Gedhi ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.

63Judha haana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vakanga vachigara muJerusarema; nanhasi vaJebhusi vageremo navanhu veJudha.

Copyright information for SnaBDSC